Genesis 42:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tumai mumŋe wenyu kuti andotora munuŋuna wenyu, asi imi mucafanira kugara makasuŋgwa, kuti mashoko enyu aidzwe, kana makatendeka; kana ɀisina‐kuɗaro, ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaFarao muri ʋashori.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tumai mumwe wenyu andotora munun'una wenyu, asi imi vamwe mose muchasara muusungwa. Ndipo patichazoziva kuti muri kureva chokwadi here kana kuti kwete. Kana zvisina kudaro, ndinopika naFarao, muri vasori.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tumai mumwe wenyu kuti andotora mun'una wenyu, asi imi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.”
Shona 2009?
Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu, asi imwi muchafanira kugara ma­kasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori."
Shona SUB 2002 Bible
Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu, asi imi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.”