Genesis 42:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakataurirana ʋaciti: Ɀirokwaɀo tinemhoȿa nokuɗa kwomunuŋuna weɗu, nokuti takaʋona kutambudzika kwomŋeya wake musi uya waakatinyeŋgetera, tikaramba kumuterera; naiɀoɀo tawirwa nokutambudzika uku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomunun'una wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakataurirana pachavo vachiti, “Mazvionaka! Isu takapara mhaka pamusana pomunun'una wedu wataiona achitambudzika achiteterera isu tikarega kuita hanya naye. Saka nhasi uno zvatiwirawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutambudzika.”
Shona 2009?
Vakataurirana vachiti, "Zvirokwazvo tine mhosva nokuda komunun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika komweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika."
Shona SUB 2002 Bible
Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutambudzika.”