Genesis 42:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Josefa akabva kwaʋari, akacema; akadzokera ɀe kwaʋari, akataura naʋo, akatora Simeoni pakati paʋo, akamusuŋga ʋaciɀiʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabva pavari uye akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akasuduruka akandosvimha misodzi. Akadzokazve akataura navo, akazotora Simeoni ndokumusunga, vamwe vose vachizviona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simeoni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
Shona 2009?
Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; aka­dzokerazve kwavari, akataura navo, aka­tora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.