Genesis 42:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josefa akaraira kuti midziyo yaʋo izadzwe neɀiyo, ʋuye kuti mumŋe nomumŋe adzoserwe mari yake muhomo yake, ʋuye kuti ʋapiwe ʋo mbuʋa yokufamba nayo; ʋakaitirwa saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josefa akarayira kuti masaga avo azadzwe nezviyo, vaise mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti vapiwe mbuva yorwendo rwavo. Shure kwokuitirwa kwavo izvi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akarayira kuti tsapo dzavo dzizadzwe nembesanwa. Akatiwo mari yomumwe nomumwe idzoserwe mutsapo yake, vapiwewo mbuva yaparwendo. Vakaitirwa saizvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.
Shona 2009?
Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.