Genesis 42:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe waʋo wakati acisunuŋgura homo yake, kuti ape mboŋgoro yake ɀokudya paʋakaʋata ʋusiku, akawana mari yake; heyo yakaŋga iri mumuromo wehomo yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panzvimbo yavakavata usiku, mumwe wavo akazarura saga rake kuti atorere mbongoro yake zvokudya, uye akaona mari yake pamuromo wesaga rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti vasvika pavakarara, mumwe wavo akasunungura tsapo yake kuti ape dhongi rake zvokudya, wanei mari yake iri pamuromo wetsapo yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
Shona 2009?
Zvino mumwe wavo akati achisunungura ho­mwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.