Genesis 42:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kuhama dzake: Mari yaŋgu yadzoswa; heyi iri muhomo yaŋgu; ipapo ʋakaʋora mŋoyo, ʋakatarirana, ʋacibvunda, ʋakati: Cinyiko ici cataitirwa naMŋari?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuna vamwe vake, “Mari yangu yadzoserwa. Heyi iri musaga rangu.” Mwoyo yavo yakati rukutu uye vakatarisana vachidedera, uye vakati, “Chiiko ichi chataitirwa naMwari?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akataurira vamwe vake, achiti, “Ndadzoserwa mari yangu iyi, tarisai muone iyi iri pamuromo wetsapo yangu.” Vakarohwa nehana vakadedereswa nazvo. Vakataurirana vachiti, “Ko Mwari aitireiko kudai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kuhama dzake, “Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora mwoyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, ‘Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?’ ”
Shona 2009?
Akati kuhama dzake, "Mari yangu yadzoswa; heyi iri muho­mwe yangu; ipapo vakaora moyo, va­katarirana, vachibvunda, vakati, `Chi­nyiko ichi chataitirwa naMwari?' "
Shona SUB 2002 Bible
Akati kuhama dzake, “Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora mwoyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, ‘Chiiko ichi chataitirwa naMwari?’ ”