Genesis 42:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri: Heci cinhu candicaziʋa naco kana muri ʋanhu ʋakatendeka; Siyai mumŋe wenyu kwandiri, mutore ɀiyo, mundopa mhuri dzenyu dzinenzara, muende.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo murume anova ndiye ishe panyika iyo akati kwatiri, ‘Hechi chinhu chichandizivisa kana muri vanhu vakatendeka: Siyai mumwe wenyu neni pano, mugotakura zvokudya zvemhuri dzenyu dziri kuziya muende.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo murume iyeyo, changamire wenyika iyoyo akatiti, “Ini ndichaziva kuti muri vanhu vanovimbika kana masiya mumwe wenyu kuno. Imi vamwe mose motora zvenyu mbesanwa muende kundopa mhuri dzenyu dziri munzara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, “Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, ‘Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.’
Shona 2009?
Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, "Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, `Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, “Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, ‘Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.’