Genesis 42:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaciɗurura homo dzaʋo, tarira ciputu cemari yomumŋe nomumŋe cakaŋga ciri muhomo yake; ʋakati ʋaciʋona ɀiputu ɀemari yaʋo, ʋakatya iʋo naɓaɓa ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakanga vachidurura masaga avo, wanei musaga romumwe nomumwe wavo makanga mune homwe yake yesirivha! Ivo nababa vavo pavakaona mari muhomwe, vakatya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vodurura mbesanwa dzavo, vakawana mutsapo yomumwe nomumwe muine mari yake yakapfundirwa papfundo. Ivo nababa wavo pavakaona mapfundo emari yavo vakarohwa nehana vakatya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
Shona 2009?
Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.