Genesis 42:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: Mŋanakomana waŋgu haaŋgaɓuruki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye wasiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, mucaɓurusira vudzi raŋgu jena kubgiro nokucema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jakobho akati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi kuti aende ikoko; mukoma wake akafa uye ndiye chete asara. Kana zvakaipa zvikamuwira parwendo rwamuri kufamba, muchaburutsira musoro wangu wachena muguva mukusuwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jakobho akati, “Mwana wangu haamboenda nemi. Mukoma wake akafa. Ndiye oga angosara. Dzimwe nguva angawane chinomuwana munzira. Kana mukadaro muchaita kuti ini ndachena musoro kudai ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.”
Shona 2009?
Vakati, "Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamuno­famba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema."
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.”