Genesis 42:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Benjamini, munuŋuna waJosefa, Jakobo haana‐kumutuma naʋakoma ʋake; nokuti wakati: Ɀimŋe uŋgawirwa nenjodzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, munun'una waJosefa, pamwe chete navamwe, nokuti akanga achitya kuti zvakaipa zvaizomuwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini munun'una waJosefi pamwechete navo, aiti zvimwe angawane chinomuwana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Bhenjamini, mun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, “Zvimwe angawirwa nenjodzi.”
Shona 2009?
Asi Bhenjamini, munun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, "Zvimwe angawirwa nenjodzi."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Bhenjamini, munun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, “Zvimwe angawirwa nenjodzi.”