Genesis 42:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Josefa akaraŋgarira kurota kwake kwaakaɗeya kurota pamsoro paʋo, akati kwaʋari: Muri ʋashori, maʋuya kuzoʋona kuti nyika yakashama papi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akayeuka hope dziye dzaakarota dzaitaura nezvavo ndokuti, “Muri vasorika imi, mauya kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, “Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.”
Shona 2009?
Ipapo Josefa akara­ngarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, "Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yaka­shama papi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, “Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.”