Genesis 43:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Israeri, ɓaɓa ʋaʋo, akati kwaʋari: Kana ɀakaɗaro, itai cinhu ici: Torai micero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muɓuruke necipo kumunhu uyo, cebarsami shomanene, noʋuci ʋushomanene, neɀinonhuwira, nemura, nemicero yomuti wepistakio, namaamanda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo baba vavo Israeri vakati kwavari, “Kana zvakadaro, itai izvi zvino: Isai zvimwe zvibereko zvemichero yenyika ino zvakaisvonaka mumasaga enyu uye mugoenda nazvo sezvipo kumurume uyo, bharimu shoma shoma, nouchi hushomashoma, zvinonhuwira nemura, nzungu dzomupistakio namaarimondi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Baba wavo Isiraeri vakavati, “Kana zvakadaro chidai izvi, mochitorawoka zvinhu zvakanaka zvatinazvo kuno motakura mutsapo dzenyu, moenda nazvo kundopa changamire iyeyo. Motakurawo twokuzora tunonhuhwira notuuchi namasiriridzi nemura neshomwe dzokudya namaarimondi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, “Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda;
Shona 2009?
Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, "Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mu­midziyo yenyu, muburuke nechipo kumu­nhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuhwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaama­nda;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, “Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaarimondi;