Genesis 43:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋakatora cipo ico, ʋakaɓata mumaʋoko aʋo mari yakapamhidzwa kaʋiri, naBenjamini, ʋakasimuka, ʋakaɓurukira Egipita, ʋakandomira pamberi paJosefa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka varume vakatora zvipo nemari yakapetwa kaviri, naBhenjaminiwo. Vakakurumidza kuburuka kuIjipiti vakandozviratidza kuna Josefa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ava vakatora chipo ichi nemari yakapetwa kaviri kuwanda, pamwe chete naBhenjamini, vakasimuka vakaenda kuIjipiti kwavakasvika vakaonana naJosefi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa.
Shona 2009?
Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vaka­ndomira pamberi paJosefa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa.