Genesis 43:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋakatya, ɀaʋakaiswa mumba maJosefa, ʋakati: Tinoiswa’mo nokuɗa kwemari yakadzoserwa muhomo dzeɗu paŋguʋa yokutaŋga, kuti atȿake mhoȿa kwatiri, atiʋambe, nokutiita ʋaranda ʋake, acitora ʋo mboŋgoro dzeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino varume vaya vakatya pavakatorwa vakaendwa navo kumba kwake. Vakafunga vakati, “Tauyiswa muno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mumasaga edu panguva yokutanga. Anoda kutirwisa, agotikunda, agotisunga senhapwa uye agotora mbongoro dzedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ivavo vakatya pavakaunzwa kumba kwaJosefi. Vakati, “Taunzwa kuno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mutsapo dzedu parwendo rwokutanga. Atiunza muno achida kuwana manzvengeredzero okutipomera mhosva achibva atisunga otiita varanda vake achibva atitorera madhongi edu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, “Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, ativambe, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu.”
Shona 2009?
Varume vakatya, zvavakaiswa mu­mba maJosefa, vakati, "Tinoiswamo no­kuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita va­randa vake, achitorawo mbongoro dzedu."
Shona SUB 2002 Bible
Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, “Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, ativambe, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu.”