Genesis 43:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Farai henyu, musatya; Mŋari wenyu, Mŋari waɓaɓa ʋenyu, wakakupai fuma muhomo dzenyu; mari yenyu yakaȿika kwandiri. Akaʋaɓuɗisira Simeoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri uyu ndokuti, “Regai zvenyu kutambudzika. Musatye zvenyu. Mwari wenyu, iye Mwari wababa wenyu, ndiye chete akakuisirai mari mutsapo dzenyu. Mari yenyu ndini ndakanga ndaigamuchira.” Ipapo akabva avaunzira Simeoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai pfuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri.” Akavabudisira Simeoni.
Shona 2009?
Iye akati, "Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri." Akavabudi­sira Simioni.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai pfuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri.” Akavabudisira Simioni.