Genesis 43:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akasimudza meso ake, akaʋona Benjamini, munuŋuna wake, mŋanakomana wamai ʋake, akati: Ndiye here munuŋuna wenyu muɗuku, worugotwe, wamakandiʋudza — Akati: Mŋari ŋgaaʋe nenyasha newe, mŋana waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakatarisa-tarisa akaona munun'una wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye munun'una wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akatarisa ndokuona Bhenjamini munun'una wake, buda ndibudewo naye akati, “Saka uyu ndiye munun'una wenyu wokupedzesera wamakandiudza nhai? Mwari ngaakunzwire nyasha mwanangu!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, mun'una wake, mwanakomana wamai vake, akati, “Ndiye here mun'una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?” Akati, “Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.”
Shona 2009?
Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munun'una wake, mwanako­mana wamai vake, akati, "Ndiye here munun'una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?" Akati, "Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munun'una wake, mwanakomana wamai vake, akati, “Ndiye here munun'una wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza?” Akati, “Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.”