Genesis 43:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamupakurira iye oga, naiʋo ʋoga, naʋaEgipita, ʋaisidya naye, ʋoga ʋo, nokuti ʋaEgipita haʋana‐kutenderwa kudya naʋaHeberu, nokuti ɀinonyaŋgadza kunaʋaEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapira Josefi zvokudya pake oga. Hama dzake dzakadyirawo padzo dzoga. VaIjipiti vaivamo vakadyirawo pavo voga, nokuti vaIjipiti pachavo vaiti kudya nevaHebheru, chinhu chakashoreka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutenderwa kudya navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna vaIjipiti.
Shona 2009?
Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutende­rwa kudya navaHebheru, nokuti zvino­nyangadza kuna vaIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Vakamupakurira iye oga, naivo voga, naVaIjipiti havana kutenderwa kudya naVaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna VaIjipiti.