Genesis 43:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi kana musiŋgamutumi, hatiŋgaɓuruki; nokuti murume uya wakati kwatiri: Hamuŋgaʋoni ciso caŋgu, kana munuŋuna wenyu asati anemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana mukasamuendesa, hatingatongoendi, nokuti murume uya akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge munun'una wenyu auya nemi.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mukaramba naye, isu hatingaende nokuti murume iyeyo akati, ‘Hamuzotenderwi kundiona kana musina munun'una wenyu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, ‘Hamungaoni chiso changu, kana mun'una wenyu asati anemi.’ ”
Shona 2009?
asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, `Hamungaoni chiso changu, kana munun'una wenyu asati anemi.' "
Shona SUB 2002 Bible
asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, ‘Hamungaoni chiso changu, kana munun'una wenyu asati anemi.’ ”