Genesis 43:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakati: Murume uya wakatibvunzisisa pamsoro peɗu, napamsoro pehama dzeɗu, akati: Ƃaɓa ʋenyu ʋapenyu here — Munomunuŋuna here — Tikamupindura namashoko awa; taigoziʋa here kuti ucati: Ƃurukai nomunuŋuna wenyu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakapindura vakati, “Murume uyu akatibvunzisisa kwazvo nezvedu uye nezvemhuri yedu. Akati, ‘Baba venyu vachiri vapenyu here? Muno mumwe munun'una here?’ Takangopindura mubvunzo wake zvakanaka. Ko, taiziva sei kuti aizoti, ‘Uyai nomunun'una wenyu kuno?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Murume iyeyo akatibvunzisisa kwazvo nezvedu nezvehama dzedu achiti, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune mumwe munun'una here? Isu taingopindura zvatainge tabvunzwa chete. Ko taigoziva seiko kuti achazotiti uyai nomunun'una wenyu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakati, “Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune mun'una here?’ ” Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, “Burukai nomun'una wenyu?”
Shona 2009?
Ivo vakati, "Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, `Baba venyu vapenyu here? Mune munun'una here?' " Tikamu­pindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, "Burukai nomunun'una we­nyu?"
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakati, “Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune munun'una here?’ ” Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, “Burukai nomunun'una wenyu?”