Genesis 44:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati. Ndiɀo haɀo, ŋgaɀiʋe seɀamataura; iye unowanikwa anomukombe, ndiye ucaʋa musuŋgwa waŋgu; imi ʋamŋe hamuŋgaʋi nemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Zvakanaka chaizvo, ngazvive sezvamataura. Ani naani anowanikwa anayo achava nhapwa yangu; vamwe mose hamungapiwi mhosva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri akati, “Ndizvozvo, tichaita zvamataura. Munhu wandichawana ane kapu iyoyo mutsapo yake, ndiye achava muranda wangu. Asi vamwe mose hamuzovi nemhosva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imi vamwe hamungavi nemhosva.”
Shona 2009?
Iye akati, "Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imi vamwe hamungavi nemhosva.”