Genesis 44:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josefa akati kwaʋari: Cinyiko ici camaita — Hamuziʋi kuti munhu wakaita seni unogona kushopera here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josefa akati kwavari, “Chiiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvinhu nokuvuka here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akavati, “Ko ndicho chii chamaita ichochi? Ko manga musingazive here kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvakavanzika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josefa akati kwavari, “Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?”
Shona 2009?
Zvino Josefa akati kwavari, "Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josefa akati kwavari, “Chiiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?”