Genesis 44:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Juda akati: Ko tiŋgaɗiniko kunashe waŋgu — Tiŋgataureiko — Tiŋgaɀipembedza sei — Mŋari wakawana kutadza kwaʋaranda ʋenyu; tarirai tiri ʋasuŋgwa ʋashe weɗu, isu naiye wakawanikwa anomukombe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Judha akapindura akati, “Chiiko chatingataura kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza seiko? Mwari afukura mhosva yavaranda venyu. Zvino tava nhapwa dzashe wedu, isu pachedu naiye awanikwa ano mukombe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akati, “Tingati kudiiko kwamuri changamire? Ko tingataureiko iyo mhosva iri yedu? Mwari aisa pachena mhosva yedu. Saka isu tatova varanda venyu, iyesu pamwechete naiye awanikwa ane kapu yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Judha akati, “Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.”
Shona 2009?
Judha akati, "Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipe­mbedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe."
Shona SUB 2002 Bible
Judha akati, “Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.”