Genesis 44:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Haiȿa, handiŋgaiti saiɀoɀo; munhu uyo wakawanikwa anomukombe muruʋoko, ndiye ucaʋa musuŋgwa waŋgu; kana muri’mi, endai henyu norugare kunaɓaɓa ʋenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Josefa akati, “Ngazvive kure neni kuti ndiite chinhu chakadai! Munhu awanikwa ano mukombe wangu chete ndiye achava nhapwa yangu. Imi mose, dzokerai kuna baba venyu norugare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Josefi akati, “Handizi munhu angaite izvozvo. Munhu awanikwa ane kapu yangu ndiye chete achava muranda wangu. Imi vamwe mose endai zvenyu kuna baba venyu mufambe zvakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Haisa, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imi, endai henyu norugare kuna baba venyu.”
Shona 2009?
Iye akati, "Haisva, handingaiti sai­zvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musu­ngwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Haisva, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imi, endai henyu norugare kuna baba venyu.”