Genesis 44:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Juda akasweɗera kwaari, akati: Haiwa, ishe waŋgu, ɗotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeʋe dzashe waŋgu, kutsamŋa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imi makaenzana naFarao.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Judha akaenda kwaari akati, “Ndapota, ishe wangu, regai muranda wenyu ataure shoko rimwe kuna she wangu. Regai kutsamwira muranda wenyu, kunyange hazvo makaenzana naFaro pachake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akaswedera kuna Josefi akati, “Pamusoroi. Changamire regai zvenyu ini muranda wenyu ndimbotaurawo shoko muchinzwa nenzeve dzenyu, changamire. Musanditsamwire zvenyu nokuti imi makaita saFarao pachavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, “Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imi makaenzana naFarao.
Shona 2009?
Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, "Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwe­nyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, “Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imi makaenzana naFarao.