Genesis 44:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isu tikati kunashe weɗu: Tinaɓaɓa ʋaʋa mutana, ʋanomŋana woʋutana bgaʋo, uciri muɗuku hake; mukoma wake wakafa, iye wakasara ari oga, mŋana wamai ʋake, ɓaɓa ʋake ʋanomuɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye isu takapindura tikati, ‘Tina baba vava vatana, uye pano mukomana muduku akaberekwa pautana hwavo. Mukoma wake akafa, uye ndiye oga asara mwanakomana wamai vake, uye baba vake vanomuda.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isu ndokuti kwamuri changamire, ‘Tina baba vedu vave harahwa. Tine munun'una wedu akaberekwa baba vedu vatokwegura, asi mukoma wake akafa. Zvino uyu ndiye angosara ari oga mumba mamai vake. Baba vake vanomuda.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isu tikati kuna ishe wedu, ‘Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.’
Shona 2009?
Isu tikati kuna ishe wedu, `Tina baba vava­mutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.'
Shona SUB 2002 Bible
Isu tikati kuna ishe wedu, ‘Tina baba vava mutana, vano mwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.’