Genesis 44:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino makati kuʋaranda ʋenyu: Kana munuŋuna wenyu worugotwe asiŋgaɓuruki nemi, hamuŋgaʋoni ɀe ciso caŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi makati kuvaranda venyu, ‘Kunze kwokunge mauya nomunun'una wenyu gotwe, hamungazooni chiso changu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo makatitaurira isu varanda venyu kuti, ‘Kana munun'una wenyu wokupedzesera asina kuuya nemi, handidi kana kukuonai pano pandiri.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino makati kuvaranda venyu, ‘Kana mun'una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.’
Shona 2009?
Zvino makati kuvaranda venyu, `Kana munun'una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino makati kuvaranda venyu, ‘Kana munun'una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.’