Genesis 44:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isu tikati: Hatiŋgaɓuruki, kana munuŋuna weɗu asiŋgaɓuruki nesu; nokuti hatiŋgaʋoni ciso comurume uya, kana munuŋuna weɗu asi nesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi isu takati, ‘Hatigoni kuenda. Tichaenda bedzi kana munun'una wedu anesu. Hatigoni kuona chiso chomurume uyo kunze kwokuti munun'una wedu gotwe anesu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
isu takati, ‘Hatingakwanise kuendako. Tingatoenda chete kana munun'una wedu achitoendawo nesu. Asi kana tisinaye, murume iyeyo haadi zvake kana kutiona pameso pake.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isu tikati, ‘Hatingaburuki, kana mun'una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana mun'una wedu asi nesu.’
Shona 2009?
Isu tikati, `Hatingaburuki, kana munun'una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munun'una wedu asinesu.'
Shona SUB 2002 Bible
Isu tikati, ‘Hatingaburuki, kana munun'una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munun'una wedu asi nesu.’