Genesis 44:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muranda wenyu wakaɀiita ruɓatso rwomukomana kunaɓaɓa ʋaŋgu, ndikati: Kana ndikasaʋuya naye kwamuri, ini ndicaʋa nemhoȿa kunaɓaɓa ʋaŋgu nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda wenyu akapa rubatso rwokuchengetedzeka kwomukomana kuna baba vangu. Ndakati, ‘Kana ndikasadzoka naye kwamuri, ndini ndichava nemhosva pamberi penyu, baba vangu, upenyu hwangu hwose!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti muranda wenyu ini ndakatsidzira baba vangu kuti, ‘Kana ndisina kudzoka naye kwamuri ndini wacho ndichava nemhosva upenyu hwangu hwose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, ‘Kana ndikasauya naye kwamuri, ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.’
Shona 2009?
Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, `Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava ne­mhosva kuna baba vangu nokusinga­peri.'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, ‘Kana ndikasauya naye kwamuri, ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.’