Genesis 44:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Ko ishe weɗu unotaurirei mashoko akaɗai — Haiȿa, ʋaranda ʋenyu haʋaŋgaiti cinhu cakaɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ivo vakati kwaari, “Seiko ishe wangu achitaura zvinhu zvakadai? Ngazvive kure navaranda venyu kuti vaite chinhu chakadaro!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ava vakati, “Ko changamire, ishe wedu anotaurireiko mashoko akadaro? Isu varanda venyu hatingaite chinhu chakadaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisa, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
Shona 2009?
Vakati kwaari, "Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.