Genesis 44:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomo dzeɗu takadzoka nayo kwamuri ticibva kunyika yeKanani; taigoɓa seiko sirveri kana ndarama mumba mashe wenyu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takadzoka kwamuri kubva kunyika yeKenani kunyange nemari yatakawana mumiromo yamasaga edu. Saka taizobireiko sirivha kana goridhe mumba matenzi wenyu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga wani mari yatakawana mumiromo yetsapo dzedu takadzoka nayo tichibva kunyika yeKanani. Ko taizoba seiko sirivha kana ndarama mumba matenzi wenyu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
Shona 2009?
Tarirai, mari yatakawana pa­miromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKe­nani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?