Genesis 45:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josefa haana‐kugona kuɀidzora pamberi paʋose ʋakaŋga ʋamire naye, akaɗana, aciti: Ƃuɗisai ʋanhu ʋose ʋari pano neni. Ɀino kwakaŋga kusinomunhu wakamira naye Josefa aciɀiziʋisa kuʋana ʋaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akatadza kuzvisimbisa ari mberi kwavanhu vaivapo akadaidzira achiti, “Vamwe vanhu mose chimbobudai zvenyu panze.” Josefi akasara achizivisa kuvakoma navanun'una vake kuti iye ndiani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, “Budisai vanhu vose vari pano neni.” Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
Shona 2009?
Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, "Budisai vanhu vose vari pano neni." Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, “Budisai vanhu vose vari pano neni.” Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.