Genesis 45:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino warairwa, ciita iɀoɀo; torerai ʋana ʋenyu ʋaɗuku naʋakadzi ʋenyu ŋ oro panyika yeEgipita, mundotora ɓaɓa ʋenyu, muʋuye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iwe unorayirwawo kuti uvaudze kuti, ‘Itai izvi: Torerai vana navakadzi venyu dzimwe ngoro dzinobva muIjipiti uye mundotora baba venyu mugodzoka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uvatiwo, ‘Daii. Torai ngoro dzimwe dzomunyika ino yeIjipiti dzokutakurisa vana namadzimai enyu mundotora baba venyu muuye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varairwa, chiita izvozvo; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.
Shona 2009?
Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varairwa, chiita izvozvo; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, munotora baba venyu, muuye.