Genesis 45:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akacema kwaɀo, ʋaEgipita naʋeimba yaFarao ʋakaɀinzwa ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akachema nezwi guru zvokuti vaIjipiti navanhu vomumuzinda waFarao vakamunzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akachema kwazvo, vaIjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo.
Shona 2009?
Aka­chema kwazvo, valjipiti naveimba yaFa­rao vakazvinzwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Akachema kwazvo, VaIjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo.