Genesis 45:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ndini Josefa! Ƃaɓa ʋaŋgu ʋaciri ʋapenyu here — Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakasagona kumupindura, nokuti ʋakaŋga ʋacitya pamberi pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akaudza vakoma navanun'una vake kuti, “Ndini Josefi! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vakoma navanun'una vake vakashaya romuromo nazvo ndokuti tuzu voshamiswa kuti inga chokwadi ndiye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
Shona 2009?
Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, "Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?" Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.