Genesis 45:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ƌosweɗerai henyu kwandiri. Ɀino ʋakasweɗera. Iye akati: Ndini Josefa, mŋana waɓaɓa ʋenyu wamakateŋgesa ndikaiswa Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.
Shona 2009?
Josefa akati kuvana vababa vake, "Doswederai henyu kwandiri." Zvino vakaswedera. lye akati, "Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.