Genesis 46:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Israeri wakabva neɀose ɀaakaŋga anaɀo, akaȿika Beeri‐sheba, akaɓayira Mŋari waɓaɓa ʋake Isaka ɀiɓayiro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
Shona 2009?
Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibairo.