Genesis 46:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiʋo ʋanakomana ʋaBirha, Rabani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndiʋo ʋaakaɓerekera Jakobo; ʋose ʋaiʋa ʋanomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivava ndivo vana vaBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake. Vose pamwechete akaberekera Jakobho vana vanomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.
Shona 2009?
Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Racheri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.