Genesis 46:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Josefa akagadzira ŋgoro yake, akakwira Gosheni, kundosoŋgana naIsraeri, ɓaɓa ʋake; akaɀiziʋisa kwaʋari, akawira pamutsipa waʋo, akacema pamutsipa waʋo ŋguʋa huru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Josefi akapinda mungoro yake akaenda kuGosheni kundochingura baba vake, Isiraeri. Akasvikoona baba vake akatora nguva ndefu akavambundira achihwihwidza kuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.
Shona 2009?
Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kunosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.