Genesis 46:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Israeri akati kunaJosefa: Ɀino ŋgandicifa haŋgu, nokuti ndaʋona ciso cako, kuti uciri mupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isiraeri akazoti kunaJosefi, “Zvino ndingachifa zvangu nokuti ndakuona uri mupenyu!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isiraeri akati kuna Josefa, “Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.”
Shona 2009?
Isiraeri akati kuna Josefa, "Zvino nga­ndichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Isiraeri akati kuna Josefa, “Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.”