Genesis 46:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake naʋeimba yaɓaɓa ʋake: Ini ndicakwira kundoʋudza Farao, ndiciti kwaari: Ʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu, naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu, ʋaigara kunyika yeKanani, ʋaȿika kwandiri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba vababa vake, “Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, ‘Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri’;
Shona 2009?
Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, "Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, `Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri';
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba vababa vake, “Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, ‘Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri’;