Genesis 47:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josefa akaenda, akandoʋudza Farao, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu naʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaȿika, ʋacibva kunyika yeKanani, ʋanamakwai aʋo, neŋombe dzaʋo, neɀose ɀaʋanaɀo; ɀino, tarirai ʋari munyika yeGosheni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi andozvisvitsa kuna Farao achiti, “Baba vangu navakoma navanun'una vangu vasvika vachibva kunyika yeKanani, vaine zvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvose. Iye zvino vava kuGosheni.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, “Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.”
Shona 2009?
Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, "Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, “Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavainazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.”