Genesis 47:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gore iro rakati rapera, ʋakaʋuya kwaari negore recipiri, ʋakati kwaari: Hatiŋgaʋanziri ishe weɗu kuti mari yeɗu yose yapera, mapoka eɀipfuwo aʋa ashe weɗu; hakucina‐cakasara pamberi pashe weɗu, asi miʋiri yeɗu neminda yeɗu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari mugore rakatevera vakati, “Hatingavanziri ishe wedu chokwadi chokuti sezvo mari yedu yakapera uye zvipfuwo zvedu zvava zvenyu, hapasisina chasara chatingapa ishe wedu kunze kwemiviri yedu nenyika yedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gore iroro parakapera, ramangwana racho vanhu vakauyazve kwaari vachiti, “Changamire, hatingakuvanzirei kuti mari yedu yose yapera. Matanga edu ose ezvipfuwo ava enyu changamire. Hatichisina chokutenga nacho isu, chasara kwatiri miviri yedu neminda yedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, “Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
Shona 2009?
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, "Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
Shona SUB 2002 Bible
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, “Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;