Genesis 47:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino tiŋgafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yeɗu — Titeŋgei henyu, isu nenyika yeɗu, mutipei ɀokudya, isu nenyika yedu, tiʋe ʋaranda ʋaFarao; tipei ʋo mbeu, tirarame, tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite saŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tichafireiko pamberi penyu, isu nenyika yeduwo? Titengei isu nenyika yedu titsinhane nezvokudya, uye isu nenyika yedu tichava varanda vaFaro. Tipeiwo mbeu kuitira kuti tirarame uye tirege kufa, uye kuti nyika irege kuparara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko tofa here imi makatarisa? Ko minda yedu yoparara zvayo here pamwe chete nesu? Chititengai zvenyu, mutengewo minda yedu mutipe zvokudya tive zvedu varanda vaFarao, minda yedu ive yake. Chenyu imi tipeiwo zvokudya tirege kufa. Mutipewo mbeu dzokudyara muminda yedu, irege kuita renje.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu, tirarame, tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.”
Shona 2009?
zvino tingafa seiko pamberi pe­nyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.'
Shona SUB 2002 Bible
zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu, tirarame, tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.”