Genesis 47:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi nyika yaʋaprista yoga haana‐kuiteŋga, nokuti ʋaprista ʋakaŋga ʋaganhurirwa mugoʋe waʋo naFarao; ʋaidya mugoʋe waʋo waʋaipiwa naFarao: naiɀoɀo haʋana‐kuteŋgesa nyika yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, haana kutenga nyika yavaprista, nokuti ivo vaigamuchira migove nguva dzose kubva kuna Faro uye vakanga vane zvokudya zvakakwana kubva pamugove wavaipiwa naFaro. Ndokusaka vasina kutengesa nyika yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi minda yavapristi ndiyo chete yaasina kutenga nokuti Farao aivapa nguva nenguva mugove wavo wavakatemerwa. Mugove uyu wavaipiwa naFarao ndiwo wavairarama nawo. Ndosaka vapristi vasina kutengesa minda yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nokuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo.
Shona 2009?
Asi nyika yavaprista yoga haana kuitenga, nokuti vaprista vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
Shona SUB 2002 Bible
Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nokuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo.