Genesis 47:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josefa akati kuʋanhu: Tarirai, ndakateŋgera Farao imi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudɀare panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josefa akati kuvanhu, “Zvino zvandakutengai nhasi imi nenyika yenyu kuti muve vaFaro, heyi mbeu yokuti mudyare muminda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akazotaurira vanhu achiti, “Nhasi uno ndakutengai imi neminda yenyu kuti muve varanda vamambo. Hedzino mbeu dzokudyara muminda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josefa akati kuvanhu, “Tarirai, ndakatengera Farao imi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.
Shona 2009?
Zvino Josefa akati kuvanhu, "Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudzvare panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josefa akati kuvanhu, “Tarirai, ndakatengera Farao imi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.