Genesis 47:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josefa akatema mutemo panyika yeEgipita, uri’po nanhasi, kuti Farao apiwe ceshanu; asi nyika yaʋaprista yoga haina‐kuʋa yaFarao.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Josefa akasimbisa izvi somurayiro pamusoro penyika muIjipiti, murayiro uyu uchiri kushanda nanhasi, kuti cheshanu chezvibereko ndechaFaro. Nyika yavaprista bedzi ndiyo yakanga isiri yaFaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Josefi akaisa mutemo munyika yeIjipiti uripo nanhasi wokuti kana munhu akohwa masaga mashanu, rechishanu nderamambo. Asi minda yavapristi ndiyo yoga isina kutengwa namambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFarao.
Shona 2009?
Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavaprista yoga haina kuva yaFa­rao.
Shona SUB 2002 Bible
Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFarao.