Genesis 47:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaIsraeri ʋakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni, ʋakaɀiwanira fuma’mo, ʋakaɓereka ʋana, ʋakawanda kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaIsraeri vakagara muIjipiti mudunhu reGosheni. Vakawana pfuma ikoko, vakabereka vana uye vakawanda zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakagara munyika yeIjipiti mudunhu reGosheni, mhuri yavo yakawana upfumi huzhinji varimo, vakabereka vana vakawanda kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira pfuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
Shona 2009?
Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira pfuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.