Genesis 47:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa yokufa kwaIsraeri yakaŋga yasweɗera, iye akaɗana mŋanakomana wake Josefa, akati kwaari: Kana ndawana nyasha kwauri, ciisa hako ruʋoko rwako pasi pecidɀa caŋgu, undiitire ŋgoni neɀokwaɗi; rega hako kundiʋiga paEgipita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva yokufa kwaIsraeri yakati yaswedera, akadana mwanakomana wake Josefa uye akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, isa ruoko rwako pasi pechidya changu uye ugovimbisa kuti uchandinzwira ngoni uye uchava wakatendeka. Usandiviga muIjipiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva yaIsiraeri yokufa payakanga yava kuda kusvika, akadaidza mwana wake Josefi akati, “Ndapota kana uchindida isa ruoko rwako pasi pechidya changu utsidze kuti uchava wakatendeka kwandiri uvewo pachokwadi neni, usandivige muno muIjipiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, “Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;
Shona 2009?
Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, "Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nechokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, “Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga muIjipiti;