Genesis 47:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jakobo akati kunaFarao: Mazuʋa amakore oʋutorwa bgaŋgu makore anezana namakumi matatu; mazuʋa amakore oʋupenyu bgaŋgu akaŋga ari mashoma hawo, akaipa, haana‐kuȿikira pamazuʋa amakore oʋupenyu bgamadziɓaɓa aŋgu pamazuʋa oʋutorwa bgaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akati kuna Farao, “Ini ndagara panyika ndiri munhu wokuti zvangu apa garei tamei apa garei tamei kwezana namakumi matatu amakore. Makore anga ari okutambura asi mashoma zvawo pane amadzimababa angu vakanga vari vanhu vokutama-tamawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jakobho akati kuna Farao, “Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.”
Shona 2009?
Jakobho akati kuna Farao, "Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo."
Shona SUB 2002 Bible
Jakobho akati kuna Farao, “Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.”