Genesis 48:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino meso aIsraeri akaŋga oʋona madzerere nokukwegura, wakaŋga asicagoni kuʋona. Akaʋasweɗedza kwaʋari, Israeri akaʋaȿeta, akaʋambundikira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Meso aIsiraeri akange oonera madzerere asisaone zvakanaka nokuti akanga akwegura. Josefi akaswededza vana vake pana baba vake. Jakobho akavatsvoda achivafungatira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akatsvoda, akavambundikira.
Shona 2009?
Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere noku­kwegura, akanga asisagoni kuona. Aka­vaswededza kwavari, Isiraeri akavatsvoda, akavambundikira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akatsvoda, akavambundikira.